3 Ko, angakakavara namashoko asina maturo, nokutaura mashoko asina basa here?
4 Asi munotorwisa kururuma uye munodzivisa kunamata Mwari.
5 Chivi chako chinorunzira muromo wako; uye unotevera rurimi rwavanyengeri.
6 Muromo wako pachako ndiwo unokupa mhosva, kwete wangu, miromo yako pachako inokupupurira zvakaipa.
7 “Ko, ndiwe munhu wakatanga kuzvarwa here? Ko, iwe wakazvarwa makomo asati avapo here?
8 Unoteererawo here panokurukurwa mazano aMwari? Unoti uchenjeri ndohwako woga kanhi?
9 Chiiko chaunoziva chatisingazivi isu? Kunzwisisa kwaunako ndokweiko kwatisinawo isu?