2 Zvino Jehovha akati kuna Satani, “Wabvepiko?” Satani akapindura Jehovha akati, “Ndabva pakupota-pota nenyika napakukwira nokudzika mairi.”
3 Ipapo Jehovha akati kuna Satani, “Warangarira here muranda wangu Jobho? Hakuna munhu akafanana naye panyika, haana chaanopomerwa uye akarurama, munhu anotya Mwari uye anonzvenga chakaipa. Uye anoramba amire pakururama kwake, kunyange iwe wakandikurudzira pamusoro pake kuti ndimuparadze pasina chikonzero.”
4 Satani akapindura achiti, “Ganda neganda! Munhu angapa zvose zvaanazvo nokuda kwoupenyu hwake.
5 Asi tambanudzai ruoko murove muviri wake namapfupa ake, uye zvirokwazvo achakutukai pachena.”
6 Jehovha akati kuna Satani, “Saka zvakanaka, ari mumaoko ako, asi haufaniri kubata upenyu hwake.”
7 Saka Satani akabva pamberi paJehovha akandorova Jobho namaronda anorwadza kubva pasi petsoka dzake kusvikira panhongonya yomusoro wake.
8 Ipapo Jobho akatora chaenga akazvikwenya nacho paakanga agere pakati pamadota.