5 Asi tambanudzai ruoko murove muviri wake namapfupa ake, uye zvirokwazvo achakutukai pachena.”
6 Jehovha akati kuna Satani, “Saka zvakanaka, ari mumaoko ako, asi haufaniri kubata upenyu hwake.”
7 Saka Satani akabva pamberi paJehovha akandorova Jobho namaronda anorwadza kubva pasi petsoka dzake kusvikira panhongonya yomusoro wake.
8 Ipapo Jobho akatora chaenga akazvikwenya nacho paakanga agere pakati pamadota.
9 Mukadzi wake akati, “Ucharambira pakururama kwako kusvikira riniko? Tuka Mwari ufe!”
10 Iye akapindura akati, “Iwe unotaura somukadzi benzi. Ko, tichagamuchira zvakanaka kubva kuna Mwari, tikashayiwa zvakaipa here?” Pazvinhu izvi zvose, Jobho haana kutadza pane zvaakataura.
11 Shamwari nhatu dzaJobho, Erifazi muTemani, Bhiridhadhi muShuhi naZofari muNamati dzakati dzanzwa pamusoro pokutambudzika kwakanga kwawira pamusoro pake, vakabva kumisha yavo vakaungana pamwe chete vatenderana kuti vaende kundomudemba nokumunyaradza.