20 Kukudzwa kwangu kucharamba kuri kutsva mandiri, uta hucharamba huri hutsva muruoko rwangu.”
21 “Vanhu vakanditeerera vachitarisira kwazvo, vanyerere vakamirira kurayira kwangu.
22 Shure kwokutaura kwangu, ivo havana kuzotaurazve; mashoko angu akawira panzeve dzavo zvinyoronyoro.
23 Vakandimirira kunge vakamirira mvura yomupfunhambuya, uye vakanwa mashoko angu kunge mvura yechirimo.
24 Pandakanyemwerera kwavari havana kuzvitenda; chiedza chechiso changu chaikosha kwavari.
25 Ndakavasarudzira nzira ini ndokugara saishe wavo; ndakagara samambo pakati pamauto ake; ndakanga ndakaita somunhu anonyaradza vanochema.