12 Asi kana vasingateereri, vachapera nomunondo, uye vachafa vasina zivo.
13 “Vasina Mwari mumwoyo yavo vanochengeta pfundipfundi, kunyange paanovasunga, havaridzi mhere kuti vabatsirwe.
14 Vanofa panguva yeujaya hwavo, pakati pezvifeve zvechirume zvepashongwe.
15 Asi vaya vanotambudzika anovarwira pakutambudzika kwavo; anotaura kwavari panguva yokurwadziwa kwavo.
16 “Iye ari kukukwezvai kubva pamuromo wenhamo, kuti akuisei panzvimbo yakasununguka isina zvipinganidzo, kuzvivaraidzo zvokutafura yenyu izere nezvokudya zvakaisvonaka.
17 Asi zvino maremedzwa nokutonga kwakafanira vakaipa; kutonga uye kururamisira zvakubatai imi.
18 Muchenjerere kuti parege kuva nomunhu anokunyengerai nepfuma; musarega fufuro huru ichikutsausai.