1 Ipapo Jobho akapindura kuna Jehovha akati:
2 “Ndinoziva kuti imi munogona kuita zvose; hapana urongwa hwenyu hungakoneswa.
3 Mabvunza kuti, ‘Ndianiko uyu anodzikatira zano rangu iye asina zivo?’ Zvirokwazvo ndakataura pamusoro pezvinhu zvandisinganzwisisi, zvinhu zvinoshamisa kwazvo kuti ini ndizvizive.
4 “Mati imi, ‘Chinzwa zvino, uye ini ndichataura; ndichakubvunza iwe, uye iwe uchandipindura.’
5 Nzeve dzangu dzakanga dzanzwa nezvenyu, asi zvino meso angu akuonai imi.
6 Naizvozvo ndinozvishora pachangu, uye ndinotendeuka hangu muguruva nomumadota.”
7 Jehovha akati areva zvinhu izvi kuna Jobho, akati kuna Erifazi muTemani, “Ndakakutsamwira iwe neshamwari dzako mbiri, nokuti hamuna kutaura zvakarurama pamusoro pangu, sezvakaitwa nomuranda wangu Jobho.