24 Panowira nyika mumaoko avakaipa, vatongi vayo anovapofumadza. Kana asiri iye, zvino ndianiko?
25 “Mazuva angu anokurumidza kupfuura mumhanyi; anobhururuka asina kumboona mufaro.
26 Anopfuura sezvikepe zvenhokwe, kufanana namakondo anomhanyira nyama yawo.
27 Kana ndikati, ‘Ndichakanganwa kunyunyuta kwangu, ndichashandura chiso changu, nokunyemwerera kwangu,’
28 ndinongotya kutambura kwangu, nokuti ndinoziva kuti imi hamuregi kundipa mhosva.
29 Sezvo ndakatopiwa hangu mhosva, ko, ndichagotamburirei pasina?
30 Kunyange dai ndikazvishambidza nesipo uye ndikashamba maoko angu nesoda,