1 Shoko raJehovha rakasvika kuna Joere mwanakomana waPetueri.
2 Inzwai izvi, imi vakuru; teererai imi mose vagere munyika. Ko, zvakadai zvakatomboitika here pamazuva enyu, kana pamazuva amadzitateguru enyu?
3 Zvinhu izvi zviudzei vana venyu, uye vana venyu ngavaudzewo vana vavo, uye vana vavowo vaudze rudzi runotevera.
4 Zvakasiyiwa nefararira remhashu zvakadyiwa nemhashu dzemagutaguta; zvakasiyiwa nemhashu dzemagutaguta zvakadyiwa negwatagwata; zvakasiyiwa negwatagwata zvakadyiwa nedzimwewo mhashu.
5 Mukai imi zvidhakwa, chemai! Ungudzai imi vanwi vewaini; ungudzai nokuda kwewaini itsva, nokuti yabvutwa pamiromo yenyu.
6 Rudzi rwakapinda kuti ruzorwisa nyika yangu, rune simba uye haruverengeki; rune meno eshumba nameno makuru eshumbakadzi.
7 Rwakaparadza mizambiringa yangu yose, rukaparadza mionde yangu yose. Rwakasvuura makwati ose emiti, rukaarasira kure, ndokusiya mapazi awo achena kuti mbe-e.