13 Naizvozvo zuva rakamira, nomwedziwo ukamira, kusvikira rudzi rwatsiva vavengi varwo, sezvazvakanyorwa muBhuku raJashari.Zuva rakamira pakati pedenga rikanonoka kuvira nenguva ingaita zuva rose.
14 Hakuna kumboita zuva rakaita seiri nguva yakapfuura kana yakatevera, pazuva iri Jehovha akateerera munhu. Zvirokwazvo Jehovha akanga achirwira Israeri!
15 Ipapo Joshua akadzokera navaIsraeri vose kumusasa paGirigari.
16 Zvino madzimambo mashanu akanga atiza akandovanda mubako paMakedha.
17 Joshua paakaudzwa kuti madzimambo mashanu aya akanga awanikwa akavanda mubako paMakedha,
18 akati, “Kungurusirai matombo makuru pamuromo webako, mugoisa vamwe varume ipapo kuti varichengete.
19 Asi musamira! Teverai vavengi venyu, muvarwise necheshure kwavo uye musavarega vachisvika kumaguta avo, nokuti Jehovha Mwari wenyu avapa mumaoko enyu.”