18 Akisa akati achisvika kuna Otinieri nerimwe zuva, akamukurudzira kuti akumbire munda kubva kuna baba vake. Paakaburuka pambongoro yake Karebhu akati kwaari, “Ndingakuitireiko?”
19 Iye akati, “Ndiitirei nyasha. Zvamakandipa nyika yeNegevhi, ndipeiwo zvakare matsime emvura.” Naizvozvo Karebhu akamupa matsime okumusoro neezasi.
20 Iyi ndiyo nhaka yorudzi rwaJudha, imba neimba:
21 Maguta ezasi zasi erudzi rwaJudha kuNegevhi kwakanangana nomuganhu weEdhomu kwaiva ne:Kabhizeeri, Edheri, Jaguri,
22 Kina, Dhimona, Adhadha,
23 Kedhasi, Hazori, Itinani,
24 Zifi, Teremi, Bhearoti,