1 Mugove waJosefa waitangira paJorodhani paJeriko kumabvazuva kwemvura zhinji yeJeriko, ndokukwira uchibva ikoko nomugwenga uchienda kunyika yezvikomo yeBheteri.
2 Waienderera mberi uchibva paBheteri (iro Ruzi), ndokuyambukira kunyika yavaAriki muAtaroti,
3 ndokuburukira kumabvazuva kunyika yavaJafereti uchindosvika kunyika yeBheti Horoni reZasi nokuGezeri, uchigumira pagungwa.
4 Saka Manase naEfuremu zvizvarwa zvaJosefa, vakagamuchira nhaka yavo.
5 Iyi ndiyo yaiva nyika yaEfuremu, imba neimba:Muganhu wenhaka yavo waibvira paAtaroti Adhari kumabvazuva uchisvika kuBheti Horoni yoKumusoro
6 uye uchindosvika kugungwa, kubva kuMikimetati nechokumusoro waikombamira kumabvazuva uchindosvika paTaanati Shiro, ndokupfuura ipapo wakananga kuJanoa nechokumabvazuva.
7 Ipapo wakadzika uchibva kuJanoa uchienda kuAtaroti nokuNaara, ndokundobata Jeriko, ndokubudira paJorodhani.