26 Maguta ose aya ari gumi pamwe chete namafuro aro akapiwa kuna vakasara vedzimba dzaKohati.
27 Dzimba dzavaRevhi dzokwaGerishoni dzakapiwa:kubva kurudzi rwehafu rwaManase, Gorani muBhashani (guta routiziro rouya anenge apomerwa mhosva yokuuraya munhu) neBhe Eshitara, pamwe chete namafuro awo, maguta maviri;
28 kubva kurudzi rwaIsakari, Kishioni, Dhabhera,
29 Jamuti neEri Ganimi, pamwe chete namafuro awo, maguta mana;
30 Kubva kurudzi rwaAsheri, Mishari, Abhudhoni,
31 Herikati neRehobhi, pamwe chete namafuro awo, maguta mana;
32 kubva kurudzi rwaNafutari, Kedheshi muGarirea (guta routiziro rouya anenge apomerwa mhosva yokuuraya munhu), Hamoti Dhori neKaritani, pamwe chete namafuro awo, maguta matatu.