27 Dzimba dzavaRevhi dzokwaGerishoni dzakapiwa:kubva kurudzi rwehafu rwaManase, Gorani muBhashani (guta routiziro rouya anenge apomerwa mhosva yokuuraya munhu) neBhe Eshitara, pamwe chete namafuro awo, maguta maviri;
28 kubva kurudzi rwaIsakari, Kishioni, Dhabhera,
29 Jamuti neEri Ganimi, pamwe chete namafuro awo, maguta mana;
30 Kubva kurudzi rwaAsheri, Mishari, Abhudhoni,
31 Herikati neRehobhi, pamwe chete namafuro awo, maguta mana;
32 kubva kurudzi rwaNafutari, Kedheshi muGarirea (guta routiziro rouya anenge apomerwa mhosva yokuuraya munhu), Hamoti Dhori neKaritani, pamwe chete namafuro awo, maguta matatu.
33 Maguta ose emhuri dzavaGerishoni akanga ari gumi namatatu pamwe chete namafuro awo.