13 Naizvozvo vaIsraeri vakatuma Finehasi mwanakomana womuprista Ereazari, kunyika yeGireadhi, kuna Rubheni, naGadhi nokurudzi rwehafu rwaManase.
14 Akatumwa iye pamwe chete navakuru vamachinda gumi, mumwe chete akamirira rudzi rumwe chete rwavaIsraeri, mumwe nomumwe wavo ari mukuru weimba pakati pamarudzi aIsraeri.
15 Vakati vaenda kuGireadhi, kuna Rubheni, Gadhi norudzi rwehafu rwaManase, vakati kwavari,
16 “Ungano yose yaJehovha inoti, ‘Makarasirei kutenda muna Mwari waIsraeri sezvizvi? Mungadzokera shure seiko muchibva kuna Jehovha mukazvivakira aritari muchimumukira zvino.
17 Ko, chivi chepaPeori chakanga chisina kutiringana here? Kusvikira pazuva ranhasi hatina kuzvichenesa pachivi ichocho kunyange zvazvo hasha dzakawira ungano yaJehovha!
18 Ko, zvino mava kutsauka kubva pana Jehovha here?“ ‘Kana mukamukira Jehovha nhasi, mangwana achatsamwira ungano yose yavaIsraeri.
19 Kana nyika yamunayo yakasvibiswa, yambukirai kuno kunyika yaJehovha, kwakamira tabhenakeri yaJehovha mugogovana nyika nesu. Asi regai kumukira Jehovha, kana kutimukira isu, pakuzvivakira imwe aritari parutivi rwearitari yaJehovha Mwari wedu.