1 Rudzi rwose parwakapedza kuyambuka Jorodhani, Jehovha akati kuna Joshua,
2 “Sarudza varume gumi navaviri kubva pakati pavanhu, mumwe chete parudzi rumwe norumwe,
3 Ugovaudza kuti vatore mabwe gumi namaviri kubva pakati peJorodhani panga pakamira vaprista chaipo mugoatakura mugoaisa pamunorara nhasi manheru.”
4 Saka Joshua akadaidza varume gumi navaviri vaakanga asarudza kubva kuvaIsraeri, mumwe chete kubva parudzi rumwe norumwe,
5 Akati kwavari, “Endai pamberi peareka yaJehovha mupinde pakati peJorodhani. Mumwe nomumwe wenyu anofanira kutakura dombo pafudzi pake zvichienderana nokuwanda kwamarudzi avaIsraeri,
6 kuti ave chiratidzo pakati penyu. Mumazuva anotevera kana vana venyu vobvunza vachiti, ‘Ko, matombo aya anorevei?’