11 uye vose vachangoyambuka, areka yaJehovha navaprista vakayambukawo vanhu vakavatarisa.
12 Varume vokwaRubheni nevokwaGadhi nehafu yorudzi rwaManase vakayambuka, vakashonga nhumbi dzokurwa, pamberi pavaIsraeri, sokurayirwa kwavakanga vaitwa naMozisi.
13 Vanenge zviuru makumi mana vakanga vakashonga nhumbi dzokurwa, vakayambukira mhiri pamberi paJehovha vakaenda kumapani eJeriko kundorwa.
14 Pazuva iroro Jehovha akasimudzira Joshua pamberi pavaIsraeri vose; vakamuremekedza mazuva oupenyu hwake ose sokuremekedza kwavaiita Mozisi.
15 Zvino Jehovha akati kuna Joshua,
16 “Rayira vaprista vakatakura areka yeChipupuriro kuti vabude kubva muJorodhani.”
17 Saka Joshua akarayira vaprista achiti, “Budai muJorodhani.”