17 Guta nezvose zviri mariri rinofanira kupiwa kuna Jehovha. Asi Rahabhi chifeve bedzi navose vaainavo mumba make ndivo vachasiyiwa, nokuti akavanza vashori vatakatuma.
18 Asi imi musaswedera pazvinhu zvakatukwa, kuti murege kuzviunzira kuparara, nokutora kana chimwe chazvo. Dzimwe nguva mungaunza kuparara pamusasa weIsraeri mukaipinza padambudziko.
19 Sirivha yose negoridhe nemidziyo yendarira neyesimbi zvakatsaurirwa Jehovha uye zvinofanira kuiswa munochengeterwa pfuma yake.”
20 Hwamanda padzakarira, vanhu vakadanidzira, uye pakurira kwehwamanda, vanhu pavakadanidzira zvikuru, rusvingo rwakakoromoka; naizvozvo murume mumwe nomumwe akamhanya achipinda napakanga pakanangana naye, vachibva vatora guta.
21 Vakapa guta kuna Jehovha kuti riparadzwe nomunondo, chipi nechipi chairarama mariri, varume navakadzi, vaduku navakuru, mombe, makwai nembongoro.
22 Joshua akati kuvarume vaviri vakanga vashora nyika, “Pindai mumba mechifeve mumubudise iye navose vokwake, sezvamakapika kwaari.”
23 Naizvozvo majaya akanga ashora akapindamo akabudisa Rahabhi, baba vake namai vake nehanzvadzi dzake navose vokwake. Vakabudisa mhuri yose vakavaisa kunze kwomusasa weIsraeri.