2 Zvino Jehovha akati kuna Joshua, “Tarira, ndaisa Jeriko mumaoko ako, pamwe chete namambo waro navarume varo vehondo.
3 Fambai mutenderere guta kamwe chete pamwe navarume vose vehondo. Muite izvi kwamazuva matanhatu.
4 Ngapave navaprista vanomwe vanotakura hwamanda dzenyanga dzamakondohwe pamberi peareka. Pazuva rechinomwe fambai muchitenderera guta kanomwe, vaprista vachiridza hwamanda.
5 Kana mukazovanzwa varidza hwamanda kwenguva refu, vanhu vose vanofanira kudanidzira zvikuru; ipapo rusvingo rweguta ruchakoromoka, vanhu vagopinda, mumwe nomumwe pakanangana naye.”
6 Saka Joshua mwanakomana waNuni akadana vaprista akati kwavari, “Takurai areka yesungano yaJehovha uye vaprista vanomwe ngavatakure hwamanda pamberi pavo.”
7 Akarayira vanhu akati, “Endai mberi! Fambai muchipoteredza guta, varume vakashonga nhumbi dzokurwa vaende mberi kweareka yaJehovha.”
8 Joshua paakapedza kutaura navanhu, vaprista vanomwe vakatakura hwamanda nomwe pamberi paJehovha vakaenda pamberi, vachiridza hwamanda dzavo, areka yesungano yaJehovha ikavatevera.