1 Ishe akafukidza sei Mwanasikana weZioni negore rokutsamwa kwake! Akapotsera pasi kubwinya kweIsraeri, kubva kudenga kusvika panyika; haana kurangarira chitsiko chetsoka dzake pazuva rokutsamwa kwake.
2 Ishe akamedza ugaro hwose hwaJakobho akasavanzwira tsitsi; pakutsamwa kwake akakoromorera pasi nhare dzoMwanasikana weJudha. Akawisira pasi umambo hwake namachinda ahwo mukunyadziswa.
3 Mukutsamwa kwake kunotyisa akagura nyanga dzose dzaIsraeri. Akadzosa ruoko rwake rworudyi pakasvika muvengi. Akapisa muna Jakobho somurazvo womoto unoparadza zvose zviri kumativi ose.
4 Akawembura uta hwake somuvengi; ruoko rwake rworudzi rwagadzirira. Somuvengi akauraya vose vaifadza kuona; akadurura hasha dzake semoto patende roMwanasikana weZioni.