12 Uchenjeri hunodzivirira sokudzivirira kunoita mari, asi kunakisa kworuzivo ndokuku: kuti uchenjeri hunochengetedza upenyu hwomunhu anahwo.
13 Cherechedza zvakaitwa naMwari:Ndiani angatwasanudza zvaakagonyanisa?
14 Kana zvinhu zvakanaka, fara; asi kana nguva dzakaipa, rangarira kuti: Mwari ndiye akaita izvozvo zvose zviri zviviri. Naizvozvo, munhu haagoni kuziva chinhu pamusoro peramangwana rake.
15 Muupenyu hwangu husina maturo ndakaona zvose izvi:akarurama achiparara mukururama kwake, nowakaipa achirarama nguva refu mukuipa kwake.
16 Usava munhu akanyanyisa kururama, kana munhu akanyanyisa kuchenjera, uchazviparadzireiko?
17 Usava munhu akanyanyisa kuipa, uye usava benzi. Ungada kufa nguva yako isati yakwana?
18 Zvakanaka kubatisisa chimwe chinhu, uye usingaregedzi chimwe chacho chichienda. Munhu anotya Mwari acharega kuita zvinopfurikidza.