21 Usava nehanya namashoko ose anotaurwa navanhu, zvichida ungangonzwa muranda wako achikutuka,
22 nokuti unoziva mumwoyo mako kuti nguva zhinji iwe pachako wakambotuka vamwe.
23 Zvose izvi ndakazviedza nouchenjeri ndikati,“Ndakazvipira kuva munhu akachenjera,” asi izvi zvaiva kure neni.
24 Chii zvacho chingava uchenjeri, chiri kure kwazvo uye chakadzama, ndiani angachiwana?
25 Saka ndakashandura pfungwa dzangu ndikatanga kutsvaka kunzwisisa, kuti ndiongorore uye nditsvakisise uchenjeri nourongwa hwezvinhu, uye kuti ndinzwisise upenzi hwokuipa nomupengo hwoupenzi.
26 Ndakawana chinhu chinovava kupfuura rufu, mukadzi anova musungo, mwoyo wake uri hunza uye maoko ake ari ngetani. Munhu anofadza Mwari achapunyuka kwaari, asi mutadzi achabatwa naye.
27 Muparidzi anoti, “Tarira, izvi ndizvo zvandakawana:“Ndichisanganisa chimwe nechimwe kuti ndiwane marongerwo ezvinhu,