8 Nguva dzose upfeke nguo chena, uye ugare wakazodza musoro wako namafuta.
9 Fadzwa noupenyu hwako nomukadzi wako waunoda, mazuva ose oupenyu huno husina maturo Mwari hwaakakupa pasi pezuva, mazuva ose asina maturo. Nokuti uyu ndiwo mugove wako muupenyu uye mukushanda kwako nesimba pasi pezuva.
10 Zvose zvinowanikwa noruoko rwako kuti ruzviite, zviite nesimba rako rose, nokuti muguva, mauri kuenda, hamuna kushanda kana kuronga, kana ruzivo kana uchenjeri.
11 Ndakaona chimwe chinhuzve pasi pezuva: Anomhanyisa haasi iye anokunda uye ane simba haasi iye anokunda pakurwa, uye akachenjera haasi iye ane zvokudya, uye vane njere havasi ivo vane pfuma, uye vakadzidza havasi ivo vanodiwa navanhu; asi vose vanowirwa nenguva nezvinoitika.
12 Pamusoro pezvo hakuna munhu anoziva nguva yake painosvika:Sehove dzinobatwa murutava rwakaipa, kana shiri dzinobatwa murugombe, saizvozvowo vanhu vanobatwa nenguva dzakaipa dzinovawira vasingatarisire.
13 Ndakaonazve pasi pezuva muenzaniso uyu wouchenjeri wakandifadza zvikuru:
14 Kwakanga kune guta duku, raiva navanhu vashoma mariri. Mumwe mambo ane simba akarimukira, akarikomba, akarivakira masvingo makuru okurirwisa.