Nehemia 13:13-19 BDMCS

13 Ndakaisa Sheremia muprista, Zadhoki munyori, nomuRevhi ainzi Pedhaya kuti vave vatariri vamatura uye ndikaita kuti Hanania, mwanakomana waZakuri, mwanakomana waMatania, ave mubatsiri wavo, nokuti varume ava vakaonekwa kuti vaiva vakavimbika. Vaiva nebasa rokugovera hama dzavo migove yavo.

14 Haiwa Mwari wangu, ndirangarireiwo nokuda kwaizvozvi, uye musadzima zvandakaita nokutendeka kuimba yaMwari wangu, neshumiro yayo.

15 Mumazuva iwayo ndakaona varume muJudha vachitsika zvisviniro zvewaini nomusi weSabata vachiuya nezviyo vachizvikwidza pambongoro, pamwe chete newaini, mazambiringa, maonde namarudzi ose emitoro. Vaiuya nezvinhu zvose izvi muJerusarema nomusi weSabata. Naizvozvo ndakavayambira kuti vasatengesa zvokudya pazuva iroro.

16 Varume vaibva kuTire vaigara muJerusarema vaiuya nehove nemhando dzose dzezvokutengesa vachizvitengesa muJerusarema kuvanhu veJudha nomusi weSabata.

17 Ndakatsiura vakuru veJudha ndikati kwavari, “Chiiko ichi chinhu chakaipa chamunoita muchizvidza zuva reSabata?

18 Ko, madzitateguru enyu haana kuita zvimwe chetezvo here, zvokuti Mwari wedu akazouyisa dambudziko iri pamusoro pedu napamusoro peguta rino? Zvino muri kumutsa hasha dzakawanda pamusoro paIsraeri nokuzvidza Sabata.”

19 Zvino mimvuri yezuva rovira yakati yafukidza masuo eJerusarema, Sabata risati rasvika, ndakarayira kuti mikova ipfigwe uye kuti isazarurwa kusvikira Sabata rapfuura. Ndakaisa vamwe vavaranda vangu pamasuo kuti kurege kuva nomutoro ungauyiswa mukati nomusi weSabata.