9 Ipapo Nehemia mubati, Ezira, muprista nomunyori, navaRevhi vairayira vanhu vakati kwavari vose, “Zuva iri idzvene kuna Jehovha Mwari wenyu. Musachema kana kuungudza.” Nokuti vanhu vose vainge vachichema pavaiteerera kumashoko omurayiro.
10 Nehemia akati kwavari, “Endai munodya nomufaro zvokudya zvamunoda nezvokunwa zvinotapira, mugotumirawo zvimwe kuna avo vasina chavakagadzirira. Zuva ranhasi idzvene kuna Ishe wedu. Musazvidya mwoyo, nokuti mufaro waJehovha ndiro simba renyu.”
11 VaRevhi vakanyaradza vanhu vose vakati, “Nyararai, nokuti iri izuva dzvene. Musazvidya mwoyo.”
12 Ipapo vanhu vose vakabva vaenda kundodya nokunwa, nokutumira migove yezvokudya vachipembera nomufaro mukuru, nokuti vakanga vanzwisisa zvino mashoko avakanga vaudzwa.
13 Pazuva rechipiri romwedzi, vakuru vemhuri, pamwe chete navaprista navaRevhi, vakaungana vakakomberedza Ezira munyori kuti vateerere kumashoko oMurayiro.
14 Vakawana zvakanga zvakanyorwa muMurayiro, zvakanga zvarayirwa naJehovha kubudikidza naMozisi, zvokuti vaIsraeri vaizogara mumatumba panguva dzomutambo womwedzi wechinomwe.
15 Uye kuti vaifanira kuparidza shoko iri nokuriparadzira mumaguta avo ose nomuJerusarema vachiti: Endai munyika yezvikomo muuye namapazi omuorivhi nemiti yemiorivhi yomusango, neomukonachando, nemichindwe nemiti yemimvuri, kuti muite matumba sezvazvakanyorwa.”