1 Jehovha akati kuna Mozisi:
2 “Iyi ndiyo mirayiro yomunhu ane chirwere panguva yake yokucheneswa kana auyiswa kumuprista:
3 Muprista anofanira kuenda kunze kwomusasa agomuongorora. Kana munhu aponeswa kubva kumaperembudzi,
4 muprista acharayira kuti shiri mbiri mhenyu dzakachena, nedanda romusidhari, nomucheka mutsvuku, nehisopi zviuyiswe kuti acheneswe.
5 Ipapo muprista acharayirwa kuti imwe yeshiri idzi iurayiwe pamusoro pemvura yakachena muhari yevhu.
6 Anofanira zvino kutora shiri mhenyu oinyika pamwe chete nedanda romusidhari, mucheka mutsvuku nehisopi muropa reshiri yaurayiwa pamusoro pemvura yakachena.
7 Achasasa uyo anofanira kucheneswa kubva kuchirwere chamaperembudzi kanomwe, agozivisa kuti akachena. Ipapo anofanira kuregera shiri mhenyu ichienda musango.