8 Ani naani anozvidya achapiwa mhosva nokuti asvibisa chitsvene kuna Mwari; munhu iyeye anofanira kubviswa pakati pavanhu vokwake.
9 “ ‘Kana uchikohwa mumunda wako usakohwa kusvika kumuchetocheto womunda wako, kana kunhongera zvawira pasi pakukohwa.
10 Musakohwa kechipiri mumunda wemizambiringa kana kunhonga mazambiringa adonha. Zvisiyire varombo kana vatorwa. Ndini Jehovha Mwari wenyu.
11 “ ‘Usaba.“ ‘Usareva nhema.“ ‘Musanyengedzana.
12 “ ‘Usapika nhema nezita rangu ugozvidza zita raMwari wako. Ndini Jehovha.
13 “ ‘Usabiridzira muvakidzani wako kana kumubira nechisimba.“ ‘Usachengeta mubayiro womushandi kusvikira mangwana.
14 “ ‘Usatuka matsi kana kuisa chigumbuso mberi kwebofu, asi itya Mwari wako. Ndini Jehovha.