4 Nditorei muende neni, ngatikurumidzei. Mambo ngaandipinze mudzimba dzake dzomukati.Tinokupembererai nokukufarirai, ticharumbidza rudo rwenyu kupfuura waini.Regai zvenyu mhandara dzikudei!
5 Kusviba ndakasviba zvangu, vanasikana veJerusarema, asi ndakanaka hangu, ndakasviba samatende eKedhari, kana kuti samaketeni apamawindo eimba yaSoromoni.
6 Musanditarisisa nokuda kwoutema hwangu, nokuti ndakasvibiswa nezuva. Vanakomana vamai vangu vakanditsamwira vakandiita kuti ndichengete minda yemizambiringa; munda wangu chaiwo wemizambiringa ndakaushayira nguva.
7 Ndiudze, iwe mudiwa wangu, kwaunofudzira makwai ako nokwaunozorodzera makwai ako masikati. Ko, ndichaitirei somukadzi akafukidza chiso chake pedyo namakwai eshamwari dzako?
8 Kana usingazivi, iwe mukadzi akanaka kukunda vamwe, chitevera makwara amakwai ugondofudzira mbudzana dzako pedyo namatende avafudzi.
9 Ndinokufananidza, iwe mudiwa wangu, nebhiza rakasungwa pane imwe yengoro dzaFaro.
10 Matama ako akashongedzwa zvakanaka nemhete, mutsipa wako nezvuma zvamatombo anokosha.