8 Kana usingazivi, iwe mukadzi akanaka kukunda vamwe, chitevera makwara amakwai ugondofudzira mbudzana dzako pedyo namatende avafudzi.
9 Ndinokufananidza, iwe mudiwa wangu, nebhiza rakasungwa pane imwe yengoro dzaFaro.
10 Matama ako akashongedzwa zvakanaka nemhete, mutsipa wako nezvuma zvamatombo anokosha.
11 Tichakugadzirira mhete dzenzeve dzegoridhe nesirivha.
12 Mambo paakanga agere patafura yake, munhuwi wamafuta andainge ndazora wakapararira.
13 Mudiwa wangu, kwandiri akaita sakahomwe kemura kanogara pakati pamazamu angu.
14 Mudiwa wangu, kwandiri akaita sesumbu ramaruva machena anobva mubindu remizambiringa yeEni Gedhi.