3 Uyezve pane miti miviri yemiorivhi parutivi pacho, mumwe kurutivi rworudyi rwembiya nomumwe kurutivi rworuboshwe kwayo.”
4 Ndakabvunza mutumwa aitaura ndichiti, “Izvi zviiko, ishe wangu?”
5 Akapindura akati, “Hauzivi kuti izvi zvii?” Ini ndakapindura ndichiti, “Kwete, ishe wangu.”
6 Saka akati kwandiri, “Iri ndiro shoko raJehovha kuna Zerubhabheri: ‘Hazviitwi nehondo kana nesimba, asi nomweya wangu,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.
7 “Uri chiiko, iwe gomo guru? Pamberi paZerubhabheri uchaitwa bani. Ipapo iye achabudisa ibwe rokumusoro vanhu vachidanidzira vachiti, ‘Mwari ngaariropfadze! Mwari ngaariropafadze!’ ”
8 Ipapo shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
9 “Maoko aZerubhabheri akateya nheyo dzetemberi ino; maoko ake achaipedzisazve. Ipapo uchaziva kuti Jehovha Wamasimba Ose akandituma kwauri.