3 Zvanzi naJehovha, “Ndichadzokera kuZioni uye ndichagara muJerusarema. Ipapo Jerusarema richanzi Guta reZvokwadi, uye gomo raJehovha Wamasimba Ose richanzi Gomo Dzvene.”
4 Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, “Varume navakadzi vakwegura vachagarazve mumigwagwa yeJerusarema, mumwe nomumwe aine mudonzvo muruoko nokuda kwokukwegura kwake.
5 Migwagwa yeguta ichazara navakomana navasikana vanotambamo.”
6 Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, “Zvingaita sezvinoshamisa kuna vakasara vavanhu ava panguva iyoyo, asi zvichaita sezvinoshamisa here kwandiri?” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.
7 Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, “Ndichaponesa vanhu vangu kubva kunyika dzokumabvazuva nedzokumavirira.
8 Ndichavadzosazve kuti vazogara muJerusarema; vachava vanhu vangu, uye ndichava akatendeka uye akarurama kwavari saMwari wavo.’
9 Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, “Imi munonzwa mashoko aya iye zvino, akataurwa navaprofita vaivapo nheyo dzemba yaJehovha Wamasimba Ose padzakateyiwa, maoko enyu ngaasimbe kuti temberi igovakwa.