26 Mwanakomana wangu, ndipe mwoyo wako uye meso ako ngaanan'anidze nzira dzangu,
27 nokuti chifeve igomba rakadzika, uye mukadzi asingazvibati itsime rakamanikana.
28 Segororo anohwandira, anowedzera vasina kutendeka pakati pavarume.
29 Ndiani ane nhamo? Ndiani akasuwa? Ndiani anokakavara? Ndiani anonyunyuta? Ndiani ane mavanga pasina mhaka? Ndiani ane meso akatsvuka?
30 Vaya vanogara pawaini, vanoenda kundoravira makate ewaini yakavenganiswa.
31 Usatarisa waini kana yatsvuka, kana ichivaima iri mumukombe, kana ichidzika zvakanaka pakunwa!
32 Pakupedzisira inoruma senyoka uye ine uturu semvumbi.