4 Achapikisa uye achazvisimudzira pamusoro pezvinhu zvinonzi Mwari kana zvinonamatwa, nokudaro anozvigadza mutemberi yaMwari achizviita Mwari.
5 Hamurangariri here kuti pandaiva nemi ndaisikuudzai zvinhu izvi?
6 Uye iye zvino munoziva chinomudzivisa, kuti aratidzwe nenguva yakafanira.
7 Nokuti chakavanzika chesimba rokutsauka chotoshanda basa; asi uyo anomudzivisa zvino acharamba achiita izvozvo kusvikira iye abviswa.
8 Uye ipapo munhu wokutsauka achazoratidzwa, uyo achaparadzwa naIshe Jesu nokufema kwomuromo wake, achimuparadza nokubwinya kwokuuya kwake.
9 Kuuya kwomunhu wokutsauka kuchaitika sebasa raSatani kuchiratidza nemhando dzose dzezvishamiso zvenhema, zviratidzo neminana,
10 uye nokuipa kwose kunonyengera avo vanoparara. Vanoparara nokuti vakaramba kuda chokwadi uye kuti vagoponeswa.