33 Ndingadai ndisina kumuziva, asi uya akandituma kuti ndizobhabhatidza nemvura ndiye akandiudza achiti, ‘Murume uyo waunoona Mweya achiburuka uye achigara paari, ndiye achazovabhabhatidza noMweya Mutsvene.’
34 Ndazviona uye ndinopupura kuti uyu ndiye Mwanakomana waMwari.”
35 Chifume chamangwana Johani akanga aripozve navadzidzi vake vaviri.
36 Akati achiona Jesu achipfuura akati, “Tarirai, Gwayana raMwari!”
37 Vadzidzi vaviri vakati vachimunzwa achitaura izvi, vakatevera Jesu.
38 Jesu akatendeuka akavaona vachitevera akavabvunza akati, “Munodeiko?”Ivo vakati, “Rabhi” (ndiko kuti Mudzidzisi), “munogarepiko?”
39 Akapindura akati, “Uyai muzokuona.”Saka vakaenda vakandoona paaigara, vakaswera naye kwezuva rimwe chete. Yakanga iri nguva inenge yegumi.