10 Ipapo vadzidzi vakadzokera kumusha kwavo,
11 asi Maria akaramba amire kunze kweguva achichema. Achiri kuchema kudai, akakotama kuti atarire muguva
12 akaona vatumwa vaviri vane nguo chena, vagere pakambenge pane mutumbi waJesu, mumwe kumusoro uye mumwe kumakumbo.
13 Vakamubvunza vakati, “Mai, munochemeiko?”Akati, “Vabvisa Ishe wangu, uye handizivi kuti vamuisepi.”
14 Ipapo akatendeuka akatarira shure akaona Jesu amirepo, asi haana kuziva kuti akanga ari Jesu.
15 Akati, “Mai, munochemeiko? Munotsvaka aniko?”Maria achifunga kuti aiva muchengeti webindu, akati, “Ishe, kana mamutora, ndiudzei henyu kwamamuisa, uye ndichamutora.”
16 Jesu akati kwaari, “Maria.”Akatendeukira kwaari akadanidzira nechiHebheru achiti, “Rabhi!” (kureva kuti Mudzidzisi).