2 Saka akauya achimhanya kuna Simoni Petro nokuno mumwe mudzidzi, uya aidikanwa naJesu, akati, “Vabudisa Ishe muguva, uye hatizivi pavamuisa!”
3 Saka Petro nomumwe mudzidzi vakabuda vakaenda kuguva.
4 Vose vari vaviri vaimhanya, asi mumwe mudzidzi akamhanyisa kukunda Petro uye akatanga kusvika paguva.
5 Akakotama akatarira mukati pamicheka yakanga iri pasi asi haana kupinda.
6 Ipapo Simoni Petro, uyo akanga ari shure kwake, akasvikopinda muguva. Akaona micheka iri pasi,
7 pamwe chete nomucheka wokuvigwa nawo wakanga uri mumusoro waJesu. Mucheka uyu wakanga wakapetwa uri woga, wakaparadzaniswa nomumwe mucheka.
8 Pakupedzisira mumwe mudzidzi, uya akanga atanga kusvika paguva akapindawo. Akaona akatenda.