8 Pakupedzisira mumwe mudzidzi, uya akanga atanga kusvika paguva akapindawo. Akaona akatenda.
9 (Vakanga vasati vanzwisisa kubva muRugwaro kuti Jesu aifanira kumuka kubva kuvakafa.)
10 Ipapo vadzidzi vakadzokera kumusha kwavo,
11 asi Maria akaramba amire kunze kweguva achichema. Achiri kuchema kudai, akakotama kuti atarire muguva
12 akaona vatumwa vaviri vane nguo chena, vagere pakambenge pane mutumbi waJesu, mumwe kumusoro uye mumwe kumakumbo.
13 Vakamubvunza vakati, “Mai, munochemeiko?”Akati, “Vabvisa Ishe wangu, uye handizivi kuti vamuisepi.”
14 Ipapo akatendeuka akatarira shure akaona Jesu amirepo, asi haana kuziva kuti akanga ari Jesu.