16 Jesu akatizve, “Simoni, mwanakomana waJohani unondida zvechokwadi here?”Akapindura akati, “Hongu, Ishe, munoziva kuti ndinokudai.”Jesu akati, “Chengeta makwai angu.”
17 Akatizve kwaari kechitatu, “Simoni mwanakomana waJohani, unondida here?”Petro akarwadziwa nokuti Jesu akanga amubvunza kechitatu achiti, “Unondida here?”Akati, “Ishe, imi munoziva zvinhu zvose; munoziva kuti ndinokudai.”Jesu akati, “Fudza makwai angu.
18 Ndinokuudza chokwadi kuti, zvawakanga uchiri muduku waizvipfekedza uye uchienda kwaunoda; asi kana wakura, uchatambanudza maoko ako, uye mumwe zvake achakufukidza agokutungamirira kwausingadi kuenda.”
19 Jesu akataura izvi achiratidza mafiro aizoita Petro achikudza Mwari. Ipapo akati kwaari, “Nditevere!”
20 Petro akacheuka akaona mudzidzi uya aidikanwa naJesu achivatevera. (Ndiye uya akanga akasendamira pana Jesu panguva yechirariro uye akanga ati, “Ishe ndianiko achakupandukirai?”)
21 Petro akati achimuona, akabvunza akati, “Ishe, ko, uyuwo?”
22 Jesu akapindura akati, “Kana ndichida kuti arambe ari mupenyu kusvikira ndichidzoka, unei nazvo iwe? Unofanira kunditevera iwe.”