43 Jesu akapindura akati, “Regai kugunun'una pakati penyu.
44 Hakuna munhu angauya kwandiri kunze kwokunge Baba vakandituma vamukweva, uye ndichamumutsa pazuva rokupedzisira.
45 Muvaprofita makanyorwa muchinzi: ‘Vose vachadzidziswa naMwari.’ Ani naani anoteerera kuna Baba uye anodzidza kubva kwavari anouya kwandiri.
46 Hakuna munhu akaona Baba kunze kwouyo anobva kuna Mwari; ndiye chete akaona Baba.
47 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, uyo anotenda ndiye ano upenyu husingaperi.
48 Ndini chingwa choupenyu.
49 Madzitateguru enyu akadya mana mugwenga, asi vakafa.