9 Akati areva izvi, akagara muGarirea.
10 Zvisinei hazvo, shure kwokuenda kwavanun'una vake kuMutambo, iye akazoendawo, kwete pachena, asi muchivande.
11 Zvino vaJudha vakamutsvaka uye vakabvunza paMutambo kuti, “Munhu uya aripiko?”
12 Vanhu vazhinji vaingozeverana nezvake kwose kwose. Vamwe vaiti, “Munhu akanaka,” vamwe vachiti, “Kwete, anonyengera vanhu.”
13 Asi kwakanga kusina munhu aitaura izvozvo pachena nokuda kwokutya vaJudha.
14 Mutambo wakati wava pakati, Jesu ndipo paakazokwira kutemberi uye akatanga kudzidzisa.
15 VaJudha vakashamiswa uye vakabvunza vakati, “Murume uyu akawana ruzivo rwakadai seiko iye asina kudzidza?”