12 Jesu achitaurazve navanhu, akati, “Ndini chiedza chenyika. Ani naani anonditevera haangatongofambi murima, asi achava nechiedza choupenyu.”
13 VaFarisi vakamupikisa vachiti, “Hezvo, uri kuratidza wani kuti unozvipupurira pachako; uchapupu hwako hahuna maturo.”
14 Jesu akapindura akati, “Kunyange dai ndikazvipupurira pachangu, uchapupu hwangu ndohwechokwadi, nokuti ndinoziva kwandakabva uye nokwandinoenda. Asi imi hamuzivi kwandinobva kana kwandinoenda.
15 Munotonga nameso enyama; ini handitongi munhu.
16 Asi kana ndikatonga, kutonga kwangu kwakarurama, nokuti handizi ndoga. Ndinotonga naBaba, vakandituma.
17 Mumurayiro wenyu makanyorwa kuti kupupura kwavanhu vaviri ndokwechokwadi.
18 Ini ndini ndinozvipupurira pachangu; mumwe anondipupurira ndiBaba, vakandituma.”