1 Mangwanani-ngwanani, vaprista vakuru navakuru, vadzidzisi vomurayiro uye neDare Guru rose, vakapa mutongo. Vakasunga Jesu, vakaenda naye vakandomuisa mumaoko aPirato.
2 Pirato akamubvunza akati, “Ndiwe mambo wavaJudha here?”Jesu akapindura akati, “Hongu, ndizvo sokutaura kwamaita.”
3 Vaprista vakuru vakamupomera zvinhu zvizhinji kwazvo.
4 Saka Pirato akabvunzazve akati, “Ko, haupinduri here? Tarira kuwanda kwezvinhu zvavanokupomera.”
5 Asi Jesu haana kupindura, uye Pirato akashamiswa nazvo.
6 Zvino yakanga iri tsika yapaMutambo kuti asunungure musungwa anenge akumbirwa navanhu.
7 Murume ainzi Bharabhasi akanga ari mutorongo pamwe chete navamwe vakanga vamutsa bope vakauraya munhu.