14 Mavari munozadzisa chiprofita chaIsaya chinoti:“ ‘Muchangoramba muchinzwaasi musinganzwisisi;muchangoramba muchionaasi musingaonesesi.
15 Nokuti mwoyo yavanhu ava mikukutu,havatombonzwi nenzeve dzavo,uye vakatsinzina meso avo.Zvichida vangaona nameso avo, vakanzwa nenzeve dzavo,vakanzwisisa nemwoyo yavo,vakapinduka,uye ndigovaporesa.’
16 Asi akaropafadzwa meso enyu nokuti anoona nenzeve dzenyu nokuti dzinonzwa.
17 Nokuti, ndinokuudzai chokwadi kuti vaprofita vazhinji navanhu vakarurama vaida kuona zvinhu zvamuri kuona asi havana kuzviona, nokunzwa zvamuri kunzwa asi havana kuzvinzwa.
18 “Teererai zvino munzwe zvinorehwa nomufananidzo womukushi:
19 Kana munhu akanzwa shoko roumambo, akasarinzwisisa, akaipa anouya osvikobvuta zviya zvanga zvadyarwa mumwoyo make. Iyi ndiyo mbeu yakakushwa munzira.
20 Uyo akagamuchira mbeu yakawira parukangarahwe, ndiye munhu anonzwa shoko, pakarepo origamuchira norufaro.