4 Kuzoti akakokera pamwe chete vaprista navadzidzisi vomutemo, akavabvunza kwaizoberekerwa Kristu.
5 Vakapindura vachiti, “MuBheterehema reJudhea nokuti izvi ndizvo zvakanyorwa nomuprofita achiti:
6 “Asi iwe Bheterehema, munyikayeJudhea hausi mudukupamadzimambo ose aJudha,nokuti mauri muchabuda mutongi uyoachava mufudzi wavanhu vangu vaIsraeri.”
7 Ipapo Herodhi akadana Vachenjeri pakavanda akavabvunzisisa nguva chaiyo yainge yaonekwa nyeredzi.
8 Akavatuma kuBheterehema akati, “Endai mundotsvakisisa mwana uyu. Kana muchinge mamuwana, mugondizivisawo kuitira kuti neniwo ndigoenda kundomunamata.”
9 Mushure mokunge vanzwa zvainge zvataurwa naMambo, vakapfuurira mberi norwendo rwavo, uye nyeredzi yavakanga vaoona kumabvazuva yakavatungamirira kusvikira yandomira panzvimbo paiva nomwana.
10 Pavakaona nyeredzi, vakafara kwazvo.