7 “Vakapindura vachiti, ‘Nokuti hapana munhu atipa basa.’ Akati kwavari, ‘Nemiwo endai mundoshanda mumunda wangu wemizambiringa.’
8 “Akati ava madekwana, muridzi womunda wemizambiringa akati kumutariri wake, ‘Dana vashandi ugovapa mubayiro wavo, uchitanga navapedzisira kupiwa basa kusvikira kune vokutanga.’
9 “Vashandi vainge vaenda kundoshanda nenguva inenge yegumi neimwe vakauya uye mumwe nomumwe wavo akagamuchira dhinari.
10 Saka pakasvika vaya vakanga vatanga kushanda, vakatarisira kupiwa zvakawanda. Asi mumwe nomumwe wavo akapiwa dhinari.
11 Vakati vagamuchira mari iyi vakatanga kutsutsumwira muridzi womunda.
12 Vakati, ‘Varume ava vapedzisira vangoshanda awa imwe chete, asi mavaenzanisa nesu tatakura mutoro webasa uye tikapiswa nezuva.’
13 “Asi akapindura mumwe wavo achiti, ‘Shamwari, handina chandakukanganisira. Ko, hauna kutenderana neni kushandira dhinari here?