12 Jesu akapinda munzvimbo yetemberi akadzinga vose vaitenga nokutengesa. Akapidigura tafura dzavaitsinhanha mari nezvigaro zvavaitengesa njiva.
13 Akati kwavari, “Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Imba yangu ichanzi imba yokunyengetera,’ asi imi mava kuiita ‘bako ramakororo.’ ”
14 Mapofu navakaremara vakauya kwaari kutemberi, uye akavaporesa.
15 Asi vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro pavakaona zvinhu zvinoshamisa zvaakaita, uye vana vachidanidzira mutemberi vachiti, “Hosana kuMwanakomana waDhavhidhi,” vakatsamwa.
16 Vakamubvunza vakati, “Uri kunzwa zviri kurehwa navana ava here?”Jesu akavapindura achiti, “Hongu, hamuna kurava here panoti:“ ‘Pamiromo yavana navachechemakaisa rumbidzo’?”
17 Uye akavasiya akabuda muguta umu akaenda kuBhetani kwaakandovata.
18 Mangwanani-ngwanani, paakanga ari munzira achidzokera kuguta, akanzwa nzara.