20 uye akavabvunza akati, “Ko, mufananidzo uyu ndowaani uye runyoro urwu ndorwaani?”
21 Vakapindura vakati, “NdezvaKesari.” Ipapo akati kwavari, “Ipai kuna Kesari zvaKesari, uye kuna Mwari zvaMwari.”
22 Vakati vanzwa izvi, vakashamiswa. Saka vakamusiya vakaenda.
23 Pazuva rimwe chetero vaSadhusi, avo vanoti hakuna kumuka kwavakafa, vakauya kwaari nomubvunzo.
24 Vakati, “Mudzidzisi, Mozisi akatiudza kuti murume akafa asina vana munun'una wake anofanira kuwana chirikadzi agomuberekera vana.
25 Zvino pakati pedu paiva navanakomana vomunhu mumwe vanomwe. Wokutanga akawana mukadzi ndokubva iye afa, uye sezvo akanga asina vana, akasiyira munun'una wake mukadzi.
26 Zvimwe chetezvo zvakaitika kuno wechipiri nowechitatu kusvikira kuno wechinomwe.