30 Asi mutumwa akati kwaari, “Usatya, Maria, iwe wanzwirwa nyasha naMwari.
31 Uchava nomwana uye uchazvara mwanakomana, ugomutumidza zita rokuti Jesu.
32 Iye achava mukuru uye achanzi Mwanakomana woWokumusoro-soro. Ishe Mwari achamupa chigaro choushe chababa vake Dhavhidhi,
33 uye achatonga pamusoro peimba yaJakobho nokusingaperi; umambo hwake hahungatongogumi.”
34 Maria akabvunza mutumwa akati, “Ko, izvi zvichaitika seiko sezvo ini ndiri mhandara?”
35 Mutumwa akapindura achiti, “Mweya Mutsvene achauya pamusoro pako, uye simba roWokumusoro-soro richakufukidza. Saka mutsvene achazvarwa achanzi Mwanakomana waMwari.
36 Kunyange hama yako Erizabheti achava nomwana pamazuva okukwegura kwake, uye mwedzi uno ndowechitanhatu kuna iye ainzi asingabereki.