3 Ndinokuudzai kuti kwete! Asi kana musingatendeuki, nemiwo mucharaswa mose.
4 Kana vaya gumi navasere vakafa pavakawirwa neshongwe yeSiroami, munofunga kuti vakanga vane mhosva kukunda vamwe vose vaigara muJerusarema here?
5 Ndinokuudzai kuti kwete! Asi kana musingatendeuki, nemiwo mose muchaparara.”
6 Ipapo akavaudza mufananidzo uyu akati, “Mumwe murume akanga ane muti wake womuonde wakanga wakasimwa mumunda wake wemizambiringa, akaenda achindotsvaka muchero kwauri, asi haana chaakawana pauri.
7 Saka akati kumurume akanga achichengeta munda wemizambiringa, ‘Zvino ava makore matatu andanga ndichiuya kuzotsvaka muchero pamuonde uyu uye handisati ndambowana chinhu. Utemere pasi! Seiko uchishandisa ivhu pasina?’
8 “Akapindura akati, ‘Ishe, chimbouregai henyu kwerimwezve gore, ini ndigoutimbira nokuuyisa mupfudze.
9 Kana ukazobereka muchero gore rinouya, zvakanaka! Kana usina, ipapo mungautema henyu.’ ”