27 Ndiye uya akanyorwa nezvake zvichinzi:“ ‘Ndichatuma munyai wangu pamberi pako,uyo achakugadzirira nzira yako pamberi pako.’
28 Ndinokuudzai kuti, pakati paavo vose vakaberekwa navakadzi hakuna mukuru kuna Johani; asi muduku muumambo hwaMwari mukuru kwaari.”
29 Vanhu vose, kunyange navateresi, vakati vanzwa mashoko aJesu, vakabvuma kuti nzira yaMwari yakarurama, nokuti vakanga vabhabhatidzwa naJohani.
30 Asi vaFarisi nenyanzvi dzomurayiro vakaramba kuda kwaMwari pamusoro pavo, nokuti vakanga vasina kubhabhatidzwa naJohani.
31 “Zvino, ndingafananidza rudzi rwakadai neiko? Vakafanana neiko?
32 Vakaita savana vagere pamusika vachidanidzira kuno mumwe nomumwe wavo vachiti:“ ‘Takakuridzirai hwamanda,asi hamuna kutamba;takaimba rwiyo rworufu,uye hamuna kuchema.’
33 Nokuti Johani Mubhabhatidzi akauya asingadyi chingwa uye asinganwi waini, imi mukati, ‘Ane dhimoni.’