34 Mwanakomana Womunhu akauya achidya uye achinwa, imi mukati, ‘Houno munhu wamadyo uye chidhakwa, shamwari yavateresi navatadzi.’
35 Asi uchenjeri hunoruramiswa navana vahwo vose.”
36 Zvino mumwe wavaFarisi akakoka Jesu kuti azodya naye, saka akaenda kumba kwomuFarisi uyu akandogara kuti adye.
37 Mumwe mukadzi womuguta umu akanga achirarama muzvivi akati anzwa kuti Jesu akanga agere pakudya mumba momuFarisi, akauya nechinu chamafuta anonhuwira earabhasteri,
38 uye paakanga akamira shure kwake patsoka dzake achichema, akatanga kunyorovesa tsoka dzake nemisodzi yake. Ipapo akadzipukuta nebvudzi romusoro wake, akadzitsvoda uye akadzizodza mafuta anonhuwira.
39 Zvino muFarisi uya akanga amukoka akati achiona izvi, akati mumwoyo make, “Dai munhu uyu anga ari muprofita, angadai aiziva kuti amubata ndiani uye kuti mukadzi uyu akaita sei, uye kuti mutadzi.”
40 Jesu akamupindura akati, “Simoni, ndine chinhu chandinoda kukutaurira.”Iye akati, “Ndiudzei henyu mudzidzisi.”